Zvamungada kuziva pa Chirongwa ichi

Bhaibheri Re VanaChikamu

Bhaibheri Re Vana

DAY 1 OF 8




Ani akatisika? Bhaibheri, Mazwi a Mwari, rinotiudza zvaakaita Mwari pakusika munhu. Mwari akasika munhu akamupa zita rekuti Adamu. Mwari akasika munhu kubvira muvhu repanyika. Mwari akaisa upenyu muna Adamu, akararama. Akava mumunda weEdeni.

Mwari asati asika Adamu, akagadzira nyika yakanaka yakazara nezvinhu zvinoshamisa. Chimwe nechimwe Mwari akasika makomo nenzvimbo dzaka dzika, yakaoma anonhuwirira nemiti mirefu, shiri dzakawanda ne nyuchi, zvinhu zvese zviri mumakungwa nehozhwe. Zvechokwadi Mwari akasika zvinhu zvese – zvinhu zvese.

Pekutanga, munguwa Mwari yaainge asati asika chinhu, painge pasina chinhu chese asi Mwari ega. Painge pasina vanu kana nezvinhu zvese. Painge pasina chinhu. Kwainge kusina kuchena nerima. Painge pasina nyika nedenga. Kusina zuro uye kusina magwana. Kuna Mwari ega pasina pekutanga. Mwari akaita!

Pakutanga, Mwari akasika kudenga nenyika.

Panyika painge pasina chinhu. Rima rainge riri pamusoro. Mwari akati. “Ngakuve nechiedza.”

Pakave nechiedza. Mwari akatumidza chiedza kuti zuva rima akaritumidza kuti usiku. Manheru ne mangwanani akave zuva rekutanga.

Pazuva rakatevera, Mwari akatora mvura mumakungwa makuru ne madiki munzvimbo dzacho pasi pedenga. Pazuva rechitatu, Mwari akati, “nyika taoma ibude.” Zvikaitika.

Mwari akaudza uswa ne maruwa nemakwenzi nemiti zvibude. Zvakaoneka. Manheru nemangwanani akave zuva rechitanhatu.

Mwari akasika zuwa, nemwedzi, nenyeredzi zhinji hapana munhu anokwanisa kudziverenga. Manheru ne mangwanani ainge zuva rechishanu.

Zvipuka zvemugungwa nehove neshiri zvainge zvichitevera pazvinhu zvaaida Mwari. Pazuva rechishanu akasika hove huru nediki, shiri huru dzine makumbo marefu neshiri diki dzinofara. Mwari akasika hove dzese kuti dzizadze mumvura yepanyika neshiri dzakasiyana siyana kuti dzifare panyika nemug kungwa nemudenga. Manheru nemangwanai ainge zuva rechitanhatu.

Mushure maizvozvo, Mwari akataurazve. Akati, “Nyika ibudise zvipuka zvinorarama . .” Mhuka dzese dzino kambaira nedzinobhuruka. Painge pane nzou ne zvipuka zvino dimbura miti ne mazino. Painge pane tsoko ne makarwe. Nemakonye anofambira kwese kwese nezvimwe zvinobata huku nemafurira mudenga nekiti. Mhuka dzese dzakasikwa naMwari zuva iroro. Uye manheru nemangwanani akave zuva rechitanhatu.

Mwari akasika chimwe chinhu pazuva rechitanhatu chimwe chinhu chakakoxhesesa. Zvinhu zvese zvakange zvamirira munhu. Pakange paine zvekudya muminda nemhuka zvaishandira munhu. Mwari akati, “Ngatisike munhu nemufananidzo wedu. Ave ishe pamusoro pezvinhu zvese panyika.” MWARI AKASIKA MUNHU NEMUFANANIDZO WAKE, NEMUFANANIDZO WAKE MWARI AKASIKA MUNHU ...

Mwari akataura naAdamu. “Idya chaunoda mumunda. Asi usadye zvemuchero unozivisa zvanaka ne zvakaipa. Ukadya zvirokwazvo uchafa.”

Mwari Ishe vedu akatawura, “Hazvina kunaka kuti munhu agare ega. Ndichamuitira mubatsiri wake.” Mwari akauya neshiri nemhuka kuna Adamu. Adamu akazvipa mazita zvese. Adamu ainge munhu akange akangwara pakuita izvozvo. Pazvinhu zvese painge pasina chinhu chaitamba ne Adamu.

Mwari akararisa Adamu hope huru, hope huru. Akabvisa mbabu imwe chete yaAdamu, Mwari akaita munhukadzi kubvira pa mbabvu yaAdamu. Mukadzi akapiwa Adamu ainge akanaka kuve naAdamu.

Mwari akasika zvinhu zvese mumazuva matanhatu. Mwari pazuva rechinomwe akazororora pazuva iroro. Mumunda weIdeni, Adamu ne mukadzi wake vainge vane rufaro vainge vachiteerera Mwari. Mwari aive Mwari wavo, aive Mupi wazvose uye ari shamwari yavo.

Magumo

Zuva 2

About this Plan

Bhaibheri Re Vana

Zvose zvakatanga sei? Takabva kupi? Sei kune matambudziko akawanda munyika? Pane tariro here? Kune hupenyu pashure porufu here? Tsvaga mhinduro apo iwe uchiverenga ino nhoroondo yechokwadi yenyika.

Tinoda kutenda Bible for Children, Inc. nekupa chirongwa ichi. Kuti uwane rumwe ruzivo, ndapota shanya: https://bibleforchildren.org/languages/shona/stories.php

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy