Zvamungada kuziva pa Chirongwa ichi

Sarudzo Yakakurisisa yeHupenyu Hwako!Chikamu

Sarudzo Yakakurisisa yeHupenyu Hwako!

DAY 1 OF 6

"Mwari vanofanira kukusiya uchipinda muDenga here?" 




Chimbofunga kwechinguvana sekuti nguva yako pano pasi yasvika kumagumo ausina kutarisira. Mukukatyamara kukuru uku unozviwana wakamira pamberi peMusiki wako. Kuvhiringika kwako nekushamisika uku pakunochinja mukuve tarisiro nemufaro wekuchiwona zvino musha wekusingaperi, unobva wamiswa usati wapinda. Mwari vokuvhunza muvhunzo unobaya, "Nemhaka yei ndichifanira kukusiya uchipinda mudenga?" 




Unopindura uchiti chinyi?




Tinotenda kuti musi unosvika zuva rinova guru uye rakanaka iri reumwe neumwe, Mwari havatikumbiri kuti tipedze vhunzo tisati tapinda. Kunyange hazvo zvakadero, chiitiko ichi chinotipa mufanidzo wakakosha uye unotidenha mukufunga kwedu unofanira kutibetsera mukunzwisisa zviri nani dzikinuro.




Vamwe vanogona kupindura muvhunzo waMwari vakanangana nezvinhu zvakanaka zvavanenge vakaita. Vamwe vanotsanangura kuvimbika kwavo pakuenda kuchechi, uyewo vamwe vachagona kudura zvose zvakashata zvavasina kuita muhupenyu hwavo. Chero hazvo izvi zviri zvinhu zvakakosha muhupenyu wemuKirisitu wese, hazvirevi kuti unowana dzikinuro. Pane mhinduro imwechete kumuvhunzo uyu: 




"Ndakaita Jesu Kirisitu Ishe hwehupenyu hwangu, uye akandisuka kubva pazvivi zvangu zvese."

Rugwaro

Zuva 2

About this Plan

Sarudzo Yakakurisisa yeHupenyu Hwako!

Sarudzo zhinji dzatinoita muhupenyu dzakakosha. Asi, pane sarudzo imwe chete yakakosha kudarika dzimwe dzose. Kana uri kutsvaga mufambiro uri nyore unokusvitsa pakunzwisisa kuzere kwesarudzo yakakoshesesa iyi - chipo che...

More

Tinoda kutenda Makumi maviri Kutenda, Inc nekupa chirongwa ichi. Kuti uwane rumwe ruzivo, ndapota shanya: http://www.twenty20faith.org/yvdevtmp

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy