Zvamungada kuziva pa Chirongwa ichi

Kutanga hukama naJesuChikamu

Beginning A Relationship With Jesus

DAY 1 OF 7

"Mitemo kana Hukama"



Ukaita tsvakurudzo yetsanangudzo yeChiKrisitu, unogona kuwana zvine chekuita "nekutevera dzidziso dzaJesu." Icho chiri chokwadi—zveChiKirisitu zvine chekuita nekutevera dzidziso yaJesu. Dambudziko rinouya pakuti vazhinji vanotora pfungwa "yekutevera Jesu" kuti inoreva kuti "kutevera mitemo"—izvi hazvisizvo.



Bhaibheri rinobuditsa pachena kuti kuziva Jesu kuva nehukama naye, kwete mitemo. Pauchatanga kutsvaga zvatinoudzwa naMwari pachake kubudikidza neBhaibheri, uchaona kuti kuva nehukama hune rudo uye wakazvipira kwaari ndicho chinhu chikuru.



Saka kuti pfungwa hombe muChiKirisitu ndeyekutevera zvinodzidziswa zvakafanana nekuti pfungwa hombe muwanano ndeyekuti mugobatsirana kubhadhara zvikwereti zvemumba. Hazvisizvo chete zvatinotarisira murudo rwevaviri!



Maonero ekuti mitemo kana hukama ndiwo anosiyanisa ChiKirisitu nezvimwe zvitendero. Zvimwe zvitendero zvinoti kuva munhu "akanaka" kutevedzera mitemo netsika dzinodiwa nekutenda kune zvitendero zvakaoma, ChiKirisitu chinotangira pakatosiyana.



Kubvira kare kare, vadzidzi aJesu vaizivikanwa kwete nekutevedzera mitemo kana kuva vanhu "vakanaka." Chinhu chainyanya kubuda—chinhu chakanyanya kukosha chatingadoma—ichokwadi chekuti "vaiva naJesu" (Mabasa 4:13). Kwete kuti vakagamuchira Jesu, kwet kuti vaitevedzera kuita kwaJesu, asi kuti vaiva "naye."



Kuva naJesu ndiko kwakachinja vanhu ava kubva kune vakanzi "vasina kudzidza, varumewo zvavo" muBhaibheri kuti vagova vatungamiriri vane ushingi. Izvi ndizvo zvatinowana apo Jesu anotidana kuti tive muhukama naye: kuti "tive naye."

Zuva 2

About this Plan

Beginning A Relationship With Jesus

Uchangotanga here hukama hutsva nokutenda kutsva muna Jesu Kristu?Unoda here kuziva zvime nezve kuva mukristu asi hauna chokwadi kuti unobvunza chii-kana-unobvunza sei?Zvino tangira pano. Zvakatorwa mubhuku rinonzi "Star...

More

Tinoda kutenda David Dwight,Nicole Unice uye David C Cook nokutipa chirongwa ichi. Kana muchida kuziva zvimwe,tapota endai pa http://www.dccpromo.com/start_here/

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy