Zvamungada kuziva pa Chirongwa ichi

Chiwanikwa: Mbiru dzezvokwadi dzemuTestamende ItsvaChikamu

Chiwanikwa: Mbiru dzezvokwadi dzemuTestamende Itsva

DAY 1 OF 13

Mwari: Mwari Mumwe Chete


Kuna Mwari Mumwe Chete. Bhaibheri ndiro rinoita kuti tinzwisise kuti Mwari ndiyani uye kuti akaita sei. Bhaibheri rinotsanangura kuti maKritsu anofanirwa kunamata Mwari mumwe chete uye kunamata vamwe vamwari kusateerera kuna Mwari mumwe chete wechokwadi.




Kupfurikidza nekuronda Nzira yeChiwanikwa inotevera unokwanisa kuwana rugwaro rwezuva ranhasi, kunzwa inzwi raMwari, nekukura pahukama naJesu.


Ziva Nyaya: Tanga nekuverenga rugwaro kamwechete. Tevera nenzwisiso yenyaya uchipindura mibvunzo wekutanga uri pasi. Ita zvimwezvo kupindura mubvunzo wepiri newetatu.


1. Ndevapi vatambi munyaya iyi?


2. Ndezvipi zvinoitwa nemutambi umwe neumwe?


3. Zvimwe zvaunoona zvakakosha munyaya iyi ndezvipi?


Nzwisisa Nyaya: Verenga nyaya pekare uchipindura mubvunzo wechina neweshanu. Kana zvirimo zvisina kujeka shandiso mawonero ako kuburitsa zvinodiwa maringe nechimiro chezvinhu uye sarudzo dzemutambi.


4. Mutambi umwe neumwe wainzwa sei? 


5. Ndedzipi vavariro dzinosunda maitiro avo?


Chiwanikwa cheZvokwadi: Zvatava nenzwisiso yakajeka yenyaya, pane zvidzidzo zvechokwadi zvichabuda.


6. Nyaya iyi inotidzidzisa chii maererano nenzira kwadzo dzekufunga nezviito?


7. Nyaya iyi inotidzidzisa chii maererano nekuda Mwari uye kuda vamwe?


Zvekuita neChokwadi: Zvowoziva zviwanikwa zvakakosha izvi kubva munyaya, kumbira nemunamato utungamirirwe kupindura mibvunzo sere nepfumbamwe inotevera.


8. Sarudza chokwadi chimwe chete chanyanya kukukoshera muupenyu hwako pahuri? 


9. Ndedzipi nzira dzinobatika dzaungashandisa chokwadi ichi muhupenyu hwako [Shanduko dzauchada kuita ndedzipi mumafungiro, maitiro, kana pahukama nevamwe]?




Tora chikamu chenguva nemunamato upe davidzo kuzvidzidzo zviri mundima iyi. Uzvipire kuteerera kuzvidzidzo zvawadzidza, nekukumbira nyasha dzekuita shoko iri pakurarama.


Usavanza chokwadi cheupenyu cheshoko raMwari chawawana. Aripo here umwe waungagoverana naye nyaya yemubhaibheri yawawana iyi? Tora kudenhwa ushambadze chiwanikwa ichi kumunhu umwe muvhiki ino

Zuva 2

About this Plan

Chiwanikwa: Mbiru dzezvokwadi dzemuTestamende Itsva

Pakupupura Kristu saIshe, hupenyu hwedu hunovandudzwa nekusingapere - heuno mubvunzo; rutendo urwu tingarudiridzira nenzira ipi? Kubvira kumavambo ekereke yekutanga zvichenda mberi, vatenderi vane hwanzvo hwetsika dzomwe...

More

Tinoda kuonga Every Home For Christ
 pakupa chirongwa ichi. Kuti uwane mamwe mashoko, tapota shanyira: http://www.ehc.org/

Zvirongwa zvakada kufanana neichi

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy