Zvamungada kuziva pa Chirongwa ichi

Chiwanikwa: Nhoroondo yaMwari kubva kumavambo kusvika panaKristuChikamu

Chiwanikwa: Nhoroondo yaMwari kubva kumavambo kusvika panaKristu

DAY 1 OF 13

MWARI, MUSIKI WEDENGA NEPASI: Akasika Zvinhu Zvose


Mwari mumwechete. Anoziva zvinhu zvose, ane simba rose,ari kwese, uye akasika zvinhu zvose kubva mupasina.Murairo waMwari wakasika pasi rose. Mwari akasika zvinhu zvose zvakanaka nekuti Mwari akanaka.




Kupfurikidza nekuronda Nzira yeChiwanikwa inotevera unokwanisa kuwana rugwaro rwezuva ranhasi, kunzwa inzwi raMwari, nekukura pahukama naJesu.


Ziva Nyaya: Tanga nekuverenga rugwaro kamwechete. Tevera nenzwisiso yenyaya uchipindura mibvunzo wekutanga uri pasi. Ita zvimwezvo kupindura mubvunzo wepiri newetatu.


1. Ndevapi vatambi munyaya iyi?


2. Ndezvipi zvinoitwa nemutambi umwe neumwe?


3. Zvimwe zvaunoona zvakakosha munyaya iyi ndezvipi?


Nzwisisa Nyaya: Verenga nyaya pekare uchipindura mubvunzo wechina neweshanu. Kana zvirimo zvisina kujeka shandiso mawonero ako kuburitsa zvinodiwa maringe nechimiro chezvinhu uye sarudzo dzemutambi.


4. Mutambi umwe neumwe wainzwa sei? 


5. Ndedzipi vavariro dzinosunda maitiro avo?


Chiwanikwa cheZvokwadi: Zvatava nenzwisiso yakajeka yenyaya, pane zvidzidzo zvechokwadi zvichabuda.


6. Nyaya iyi inotidzidzisa chii maererano nenzira kwadzo dzekufunga nezviito?


7. Nyaya iyi inotidzidzisa chii maererano nekuda Mwari uye kuda vamwe?


Zvekuita neChokwadi: Zvowoziva zviwanikwa zvakakosha izvi kubva munyaya, kumbira nemunamato utungamirirwe kupindura mibvunzo sere nepfumbamwe inotevera.


8. Sarudza chokwadi chimwe chete chanyanya kukukoshera muupenyu hwako pahuri? 


9. Ndedzipi nzira dzinobatika dzaungashandisa chokwadi ichi muhupenyu hwako [Shanduko dzauchada kuita ndedzipi mumafungiro, maitiro, kana pahukama nevamwe]?




Tora chikamu chenguva nemunamato upe davidzo kuzvidzidzo zviri mundima iyi. Uzvipire kuteerera kuzvidzidzo zvawadzidza, nekukumbira nyasha dzekuita shoko iri pakurarama.


Usavanza chokwadi cheupenyu cheshoko raMwari chawawana. Aripo here umwe waungagoverana naye nyaya yemubhaibheri yawawana iyi? Tora kudenhwa ushambadze chiwanikwa ichi kumunhu umwe muvhiki ino

Zuva 2

About this Plan

Chiwanikwa: Nhoroondo yaMwari kubva kumavambo kusvika panaKristu

Bhaibheri irondedzero yaMwari maererano nemarudzi evanhu - Asi mumabhuku makumi matanhatu nematanhatu, nemazwi akawanda evatauri munguva dzakasiyana, hazvisi nyore kukuvanidza nyaya iyi kuva chinhu chimwe. Mwari vari kum...

More

Tinoda kuonga Every Home For Christ pakupa chirongwa ichi. Kuti uwane mamwe mashoko, tapota shanyira: http://www.ehc.org/

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy